Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 21, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vaviri vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi mana nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zanu PF inomisa sarudzo dzematunhu makuru ichiti iri kupa nguva yekugadzirira musangano wepagore webato iri uri kuitwa kuBindura mwedzi unouya. Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari kuziva zviri kuitika muZanu PF vanoti kusawirirana kuri mubato iri ndiko kwapa kuti sarudzo idzi dzimbomiswa.

Dare remuChinhoyi nhasi rarasa chikumbiro chaAmai Grace Mugabe chekuti mutongo waMambo Zvimba wekuti mutumbi wevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ufukunyurwe, uraswe.

Vatungamiri vesangano reCouncil for Student Teachers pamwe nevadzidzi vepaBelvedere Teachers College, avo vakasungwa vachiratidzira pachikoro ichi vabhadhariswa zviuru zvishanu zvemaRTGs semari yechibatiso pamunhu kuitira kuti nyaya yavo itongwe vachibva kudzimba dzavo

Nhengo mbiri dzeMDC Allince dzakasungwa kuMasvingo nemusi weSvondo dzichipomerwa mhosva yekuita musangano paZvavahera dzinopihwa mukana wekubvisa mari yechubatiso kuitira kuti dzitongwe dzichibva kumba kwadzo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG