Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 17, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Munhu vapfumbamwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi masere nevashanu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Huwandu hwevadzidzi vari kuramba vachibatwa nechirwere cheCovid-19 horamba huchikwira kuMasvingo nemamwe matunhu.

Makereke opesana padanho rakatorwa nehurumende rekurambidza vasina kubayiwa nhomba kuungana mudzisvondo.

Dare repamusoro rinoti vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mudunhu re Harare, VaTafadzwa Muguti, havana simba rekumisa kana kuvhiringidza mabasa emasangano akazvimiririra.

Rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira kuChitungwiza rinoti rabatana nevamwe vaimbi mukutsikisa nziyo dzinokurudzira vechidiki kuti vanyorese kuvhota musarudzo dzichaitwa muna 2023

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga mwedzi unouya mushure memakore maviri mitambo iyi isingaitwe nepamusana pechirwere cheCovid-19

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG