Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 16, 2021


Shona Headlines

Munhu mumwe chete akafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevatanhatu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo nekodzero dzevanhu dzinoti mitemo yeminda isina kuvandudzwa kubva munguva yeRhodesia ndiyo yave kupa kuti vari mumamisha vakawanda vagare vakabatira hura mumaoko sezvo vave kumanikidzwa kutama.

Zimbabwe inopa makambani masere marezenisi ekutepfenyura kumatunhu.

Vari kuita zvidzidzo zvekuva varairidzi vari kukumbira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vapindire kuitira kuti zvikoro zviri kuvadzinga zvivape mukana wekudzidza nekunyora bvunzo panguva iyo vanenge vachitsvaga mari dzechikoro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvosangana nemumiriri mutsva weZimbabwe muAmerica mukupera kwesvondo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG