Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 15, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vanomwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana mana negumi nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vana mukoti nanachiremba vakawanda vanonzi vabatwa nedambudziko rekusagadzikana kwepfungwa nekuda kwemashandiro avari kuita munguva ino yekurwisa dambudziko rechirwere chge Covid-19.

Hurumende yozvidza mutongo wematare kuburikidza nekurambidza vanhu vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19 kuungana mudzisvondo pamwe nekurambidza vashandi vayo vasina kubayiwa nhomba kuenda kubasa.

Vari kuita zvidzidzo zvekuva varairidzi vari kukumbira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vapindire kuitira kuti zvikoro zviri kuvadzinga zvivape mukana wekudzidza nekunyora bvunzo panguva iyo vanenge vachitsvaga mari dzechikoro.

MDC Alliance inoti vanhu vagere kuUzumba nekwaMutoko havafanirwe kumanikidzwa kubviswa munzvimbo dzavagere kuitira kuti makambani achere matombo munzvimbo idzi sezviri kuda kuitwa nehurumende.

Apo pasi rose riri kucherehedza zuva rehutongi hwegutsaruzhinji, kana kuti International Day of Democracy, vanhu vakawanda munyika vari kukurudzira Zimbabwe kuti iremekedze nemazvo hutongo hwegutsaruzhinji.

ZIFA inodoma Norman Mapeza semurairidzi mutsva wemaWarriors kwenguva pfupi achitsviva Zdravko Logarusic uyo akadzingwa basa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvezvirwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG