Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 14, 2021


Vanhu vashanu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi matatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Chirwere cheCovid 19 chotekeshera muzvikoro zvakawanda munyika panguva iyo zvikoro zvichinzi hazvisisina zvikwanisiro zvekuongorora vana kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete

Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vanoti vari kushushikana nekusafambiswa zvakanaka kwemari inobva kuhurumende dzinopihwa matunhu kuti ashandise mari iyi munyaya dzebudiriro.

MDC Alliance North America Province inoti iri kuronga kuratidzira kumusangano weUnited Nations General Assembly muNew York neMugovera senzira yekukurudzira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota musarudzo dzegore ra2023

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzoyambira kuti Zimbabwe haisi kuzokwanisa kuti hupfumi hwayo hukure nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana nekuda kwekushaikwa kwemagetsi.

Studio7 inoita hurukuro nemurairidzi wemimhanzi anoshanda ari ari kuBotswana

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG