Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 13, 2021


Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye riri kushushikana nekuti vanhu vashoma vari kubayiwa nhomba.

Munyori mubazi rezvemukati menyika, VaAaraon Nhepera, nhasi vaudza paramende kuti hapana achatadza kuvhota musarudzo dza2023 nekuti haana chitupa vachiti bazi ravo ravo riri kutora matanho ekupa munhu wese anokodzera chitupa nemamwe magwaro akaita semabirth certificate nemapasipoti.

Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi vazivisa nhasi mangwanani kuti vari kutarisira kuzeya nyaya yekubiwa kwemombe kuri kuitikira vapfuyi vemombe munharaunda yeBobonong, iyo iri kumabvazuva enyika iyi, munguva pfupi iri kutevera nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa senzira yekupedza hukororo uhu.

Zifa yatanga hurongwa hwekutsvaga murairidzi wechikwata chemaWarriors zvichitevera kudzinga basa kwayakaita Zdravko Logarusic nezuro muchiitiko chakatambirwa nevatsigiri venhabvu vakawanda kunyangwe vamwe vari kuti dambudziko riri kuZIFA yacho.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19, kunetsana kuri muMDC uye kudzingwa basa kwemurairidzi wemaWarriors

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG