Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 09, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Zimbabwe yotarisira dzimwe nhomba dzekudzivirira Covid-19 dzinosvika mamiriyoni maviri nechidimbu kubva ku China, dzekutanga zviuru mazana mashanu dzeSinopharm dzichitarisirwa kusvika munyika masikati anhasi.

Vanhu gumi nevana vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Makambani omanikidza vashandi vawo kubayiwa nhomba yeCovid-19, vanenge varamba vachimanikidzwa kuenda pazororo vasingabhadharwe kwenguva inotarwa nekambani yavanoshandira ZCTU ichiti zviri kuitwa izvi zvinotyora kodzero dzemushandi.

Zimbabwe inotambira mamwe mabhazi makumi mashanu eZupco ayo ari kutarisirwa kurerutsa dambudziko rezvekufambisa munyika.

Vagari vekuUzumba mudunhu reMashonaland East vonyorera tsamba yenyunyuto pamusoro pekambani yeHeijin kumukuru anoona nezvekupiwa kwemarezinesi ezvezvicherwa pamwe nebazi rezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Agency of Zimbabwe vachiti havasi kuda kuti kambani iyi ishande munzvimbo dzavanogara

Mauto emuGuinea akapidigura hurumende yaVaAlpha Conde nemusi weSvondo, sezvakaitikawo muZimbabwe muna 2017. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti maitiro akadai ari kudzosera Africa kumashure munyaya dzehutongo hwejekerere.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika panguva iyo Zimbabwe iri parumananzombe nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG