Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 08, 2021


Shona Headlines

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 08, 2021

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reInternational Literacy Day panguva iyo pasi rese riri kuvhiringwa nedenda reCovid-19

Vanhu gumi vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi maviri nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Hurumende inoti hapana dambudziko remari dzemihoro dziri kutambiriswa vashandi ichiti yaita zvose zvainokwanisa kuita kuitira kuti vashandi vatambire mari dziri nani, asi vashandi vari kupikisa izvi vachiti mari dzavanotambiriswa hadzivakwanire.

Zupco inoparura chirongwa chekutakura veruzhinji ichishandisa zvitima zvakasakara zveNational Railways of Zimbabwe.

MDC Alliance inoti iri kupinda musarudzo dza 2023 kunyange hurumende ikatadza kuvandudza mitemo inobata nyaya dzesarudzo.

Nyaya yakapinzwa mudare nemudzidzi ane makore mapfumbamwe achida kuti dare rimanikidze varairidzi kudzidzisa muzvikoro panguva iyo vari kunetsana nemushandirwi yatadza kunzwikwa nhasi mutongi wedare achiti ichanzwikwa svondo rinouya nemusi weChishanu.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naMufundisi Richard Moyo, vari muPretoria kuSouth Africa, pamusoro pemararamiro avari kuita munguva ino yeCovid-19, pamwe nekupinda kwavo mune zvemimhanzi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG