Zimbabwe inonyevenutsa mitemo yeCovid-19 kubva paNational Lockdown Level Four kusvika paNational Lockdown Level Two pamwe nekuwedzerwa kwenguva yekushanda kwemabhizimisi munyika uye kubvumidzwa kwevanhu kuungana nekufamba pamadiro kwenguva yakareba.
Vanhu gumi nemumwe chete vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi maviri nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Hurumende, ichitsigirwa neUnicef, inoti iri kugutsikana nematanho ari kutorwa muzvikoro ekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, ronyunyuta nemashoko anonzi ataurwa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, ekuti vashandi vehurumende vasiri kuda kubayiwa nhomba yeCovid-19 vasiye mabasa senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.
Hurumende yazivisa nhasi kuti National Railways of Zimbabwe ichabatsirana neZupco kutakura vanhu asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzichiti hadzina chivimbo hekuti izvi zvinobatsira sezvo makambani maviri aya ari kutatarika zvopa kuti kugadzirwa kwezvinhu mumakambani kuderere sezvo vashandi vari kunonoka kutanga basa nekushaya zvekufambisa.
Zimbabwe iri kutamba neEthiopia mumakwikwi erwendo rwekuenda kumakwikwi ekupedzisira e2022 World Cup
Muchirongwa cheThe Connetion na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum