Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Gunyana 6, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Zvikoro zvovhurwa vamwe vana vachidzingwa nekushaya mari iri kudiwa kuti vatange kudzidza.

Vesangano rePassengers Association of Zimbabwe nevamwe vobatana neZimbabwe Human Rights NGO Forum mukuendesa gurukota rezvemukati menyika, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nevamwe kumatare nenyaya yekumanikidza vanhu kuti vakwire mabhazi eZUPCO vachisunga vanokwira mimwe michovha.

Imwe nyanzvi mune zvehutano yokurudzira hurumende kugadzirisa nechimbichimbi dambudziko rechekufambisa ichiti kukundikana kwekambani yeZUPCO kutakura vanhu kuri kukonzera kuungana kwevanhu pamisika yemabhazi, izvo zviri kuzoisa vanhu munjodzi huru sezvo kuchiita kuti vanhu vatapurirane hutachiwana hunokonzera chirwere cheCovid-19 zviri nyore.

Vamwe vatsigiri vechikwata chenhabvu chemaWarriors vanoti havana chivimbo chekuti chikwata ichi chichakunda Ethiopia mumutambo we22 World Cup mangwana. Mugungano rin Zimbabwe, Ghana iri kutamba neSouth Africa nhasi.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm nhasi, tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 apo zvikoro zvovhurwa vanhu vachinetsekawo nekushaya mabhazi ekufambisa sezvo ZUPCO iri kutatarika kuita basa rayakanzi iyo yoga iite.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG