Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 02, 2021


Shona Headlines

Vanhu gumi nevapfumbamwe vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi masere nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC Alliance, Amai Lynnette Karenyi Kore, vanoti bato ravo riri kushanda zvakasimba mukukurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba yekudzivirira Covid-19 pamwe nekubatsira vanhu vekumaruwa nemamasiki.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vatambidza gurukota rehutano, VaConstantine Chiwenga, dzimba dzemachiremba kuMarimba muHarare vachiti dzimba idzi dzakavakwa pasi pechirongwa chehurumende chekuona kuti vanachiremba, vakoti nevashandi vehurumende vagara zvakanaka.

Vezvematongerwo enyika votarisa makakatanwa ari pakati peMDC-T neMDC Alliance zvichitevera mashoko ekuti MDC-T iri kuda kudzinga zvakare dzimwe nhengo dzeparamende nemakanzura veMDC Alliance, uye kurambidza bato iri kushandisa zita rekuti MDC Alliance ichiti nderayo.

Bhanga guru renyika rinoti vanhu vave kukwanisa kutenga madhora ekuAmerica mazana maviri pamwedzi kuma bureaux de change nemutengo uri pamutemo senzira yekumisa kutekeshera kwemisika yepamikoto yapa kuti dhora remunyika rishaye simba.

Chikwata chenhabvu chenyika chinoti chinovimba zvikuru kuti chichakunda South Africa mangwana mumutambo we2022 World Cup kunyange hazvo chasangana nematambudziko makukutu munzira yemutambo uyu

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi muhupenyu hwavo p[amwe nedambudziko reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG