Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 01, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Vanhu vatatu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Ishe Beperere vekuMashonaland West vanoshaya nechirwere cheCovid-19 muHarare.

Hurumende inopinza basa varairidzi zviuru zvitatu kutanga kotoro ino asi sangano rinomirira vakuru vezvikoro, reZimbabwe National Union of School Heads, rinoti huwandu hwevarairidzi ava hushoma zvikuru kana zvichienzaniswa nehwevarairidzi vakasiya basa kubva gore rapfuura kusvika pari zvino.

Masangano akazvimirira oga anoti hurumende yava kushandisa mitemo yekurwisa vanopfurikudza mwero kuvhiringidza mashandiro avo. Mashoko aya anotevera danho rakaitwa nedare remakurukota nezuro rekubvumidza kuvandudzwa kwemutemo wemashandiro emasangano aya.

Gungano guru repagore reZim Expo rotarisirwa kutanga neChishanu chino muguta reDallas mudunhu reTexas muAmerica, paine zviratidzwa, hurukuro pamwe nemitambo nezvimwe zvakasiyanasiyana, kusanganisirawo vaimbi vane mukurumbira vari kubva kuZimbabwe.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG