Vanhu gumi nemumwe vofa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe makumi manomwe vachibatwa nechirwere ichi.
Vemachechi akatangwa nevatema vobatana nehurumende mukukurudzira vatendi vavo kuti vabayiwe nhomba yeCovid-19.
Zvikoro zvovhurwa nhasi vamwe vabereki vachichema chema nenyaya yemari dzechikoro dzakawedzerwa.
Chikoro cheChinhoyi University of Technology chorambidza vadzidzisi vasina akubayiwa nhomba kuita basa.
Vagari vemu Ward 14 kuUzumba mudunhu reMashonaland East, voramba kuti kambani yeHeijin ichere matombo mubhuku rekwaNenzou, vachiti hapana hurongwa hwakajeka kwekuti vachaendeswa kupi, uye chirongwa ichi chichakanganisa makuva emadzitateguru avo, minda yekurima, mafuro emombe pamwe nezvikoro.
Muchirongwa chatinotarisa nyaya dzezvehutano. nhasi tiri kutarisa nyaya yemapundu anoita muchibereko kana kuti fibroids anokwanisa kuti madzimai ashaye mbereko.
Muchirongwa cheLive Talk na8pm nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, uye kuvhurwa kwezvikoro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum