Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 06, 2021


Vanhu makumi mana nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Hurumende yozvirova dundundu ichiti chirongwa chayo chekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 chiri pakati penyika dzemuAfrica dziri kuita basa rakanaka rekubaya vanhu vadzo nhomba yekudzivirira denda iri.

Hurumende yaburitsa mazita evanhu vachapihwa ruremekedzo nemibayiro yehushingi pakuita basa rakakanaka musi weHeroes Day. Mazita aya anosanganisira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxillia Mnangagwa, negurukota rezvemitambo, Doctor Kirsty Coventry, madzishe, nevamwe vatori venhau.

Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinonyorera bazi redzidzo yepasi tsamba richikurudzira kuti paitwe musangano wekuzeya gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro dzinosanganisira mapoka ose ane chekuita nedzidzo, kwete kuti hurumende iite zano ndega. Bazi redzidzo rinoti ratambira tsamba iyi.

Vanhu vakawanda votaura pamusoro pebhuku renhoroondo yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, iro rakanyorwa naVaEddie Cross.

Vakaremara vanoti vari kunetsekana zvikuru kuwana zvikwanisiro zvakaita sema wheelchair nemadondoro, kuitira kuti vakwanise kufamba vasina anovabatsira

Makundano etsiva eWorld Boxing Show anga achifanirwa kuunganidza vatambi vane mukurumbira pasi rese muZimbabwe musi wa 14 Nyamavhuvhu, ambomiswa

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nedenda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG