Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, Nyamavhuvhu, 04, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi mana nemumwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro vakawanda vacho vari kuBulawayo nemudunhu reMashonaland West.

Vaimbova mumiriri weBikita West muparamende, VaMunyaradzi Kereke, vanopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso vakamirira kupikisa kubatwa kwavakaitwa nemhosva yekubhinya hama yavo vakapakatira pfuti.

Mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vorambidzwa zvekare kubvisa marara kuMbare nemapurisa nevasori.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi mana nemumwe vakabafa nechirwere cheCovid-19 nezuro vakawanda vachovari kuBulawayo nemudunhu remashonaland West.

Muchirongwa cheLive Talk Diaspora Forum nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, nyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutumira mari yakawanda kumusha kunyangwewo zvimwe zvodzingwa kuBritain.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG