Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu makumi mashanu nevaviri(52) vakafa nechirwere cheCovid-19, vamwe chiuru chimwe chete nemazana matatu nevapfumbamwe vachibatwa nacho.
Mauto otanga kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 kuBulawayo kubatsira bazi rezvehutano risina vashandi vakakwana.
Chirongwa cheMandela Washington Fellowship kana kuti YALI chinokokerwa nehurumende yeAmerica kukwenenzvera mabasa anoitwa nevechidiki muAfrica chotanga nhasi.
Munhau dzemitambo, tichatarisa zviri kupa kuti Zimbabwe itatarike kumakundano emaOlympics.
Studio 7 yotaura nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi nemashoko egurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube ekuti nyika iritarisira kukwira kwezvehupfumi mugore rino ra 2021 nezvikamu zvinomwe nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 7.8 percent, zvichitevera kunaya zvakanaka kwemvura uye kugadzikana kwemitengo yezvicherwa pamisika yekunze.
Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na8pm nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 chouraya vakawanda munyika uye chirongwa cheMandela Washington Fellowship chekusimudzira mabasa anoitwa nevechidiki muAfrica.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum