Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 30, 2021


Vanhu makumi masere nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemakumi masere nevapfumbamwe, 2,089 vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vanoti hurumende inofanira kushandisa nzira dzose dzainokwanisa, kusanganisira kana kuzviisa pamutemo, kuona kuti yabaya vanhu vese vayakaronga kubaya nhomba yeCovid-19 gore risati rapera senzira yekudzvirira kupararira kwedenda radzika midzi munyika.

Dare reseneti rinopasisa bhiri re Cyber Security and Data Protection Bill, iro rakanangana nekuderedza kuparwa kwedzimhosva pachishandiswa madandemutande uye ramirira kusainwa nemutungamiri wenyika kuti rive mutemo.

Kanzuru yeMasvingo nebazi rezvehutano mudunhu iri zvokandirana nyoka mhenyu panyaya yekutadza kupa varwere veCovid-19 chikafu pachipatara cheRujeko Isolation Center.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti bhiri re Cyber Security and Data Protection Bill iri rakanangana nekumbunyikidza kodzero dzevanhu pamwe nekupfumba miromo yevanoshoropodza hurumende

Mutambi wegolf muZimbabwe, Scott Vincent, nhasi afamba zvinodakadza kukwira patafura yemenduru kuma 2020 Olympic Games ari kuitirwa kuJapan

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika pamwe nemitambo ye2020 Olympic Games iri kuitirwa kuJapan.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG