Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 29, 2021


Vanhu makumi matanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana masere nemakumi mashanu nevatanhatu, 1,856 vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zimbabwe yatambira nhasi nhomba dzeSinopharm mazana manomwe ezviuru 700,000 dzabva kuChina.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoparura hurongwa hwepakati pegore hwemashandisiro emari yehurumende.

Zimbabwe inoti iri kutumira mauto mazana matatu nemana kuMozambique kunobatsira nyika iyi kurwisa vanopfurikidza mwero vari kukonzeresa kugedageda kwemeno muCabo Delgado.

Vezvematongerwo enyika vozeya hurongwa hweZanu PF hwekuda kuunganidza mari inoita mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora ichashandiswa mugadziriro yesarudzo dza 2023 nebato iri, vamwe vachiti Zanu PF inoita zvekumanikidza vanhu kubvisa mari idzi, asi veZanu PF vachiti vanhu vanopa nekuda kwavo.

Mutambi wegorofu wemuZimbabwe Scott Vincent atanga makundano ake egorofu ari pasi pasi kuma 2020 Olympic Games

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nedenda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG