Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 28, 2021


Vanhu zana nevanomwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi matanhatu nevanomwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zimbabwe yatambira nhasi nhomba dzeSinopharm mazana masere ezviuru, 800,000, uye dzimwe nhomba dzeSinopharm zviuru mazana manomwe, 700,000 dziri kutarisirwa kusvika munyika mangwana.

Mapurisa anoti akagadzirira kare kutanga kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 mumakamba awo munyika yose, changosara chete kupihwa nhomba idzi nebazi rezvehutano.

Zanu PF inoumba komiti yekutsvaga mari inodarika mamiriyoni zana nemakumi mana emadhora ekuAmerica, US$140m, yekushandisa musarudzo dza 2023 vanopikisa nevemasangano akazvimirira vachiti igaroziva kuti bato iri richaisa ruoko rwaro muhomwe yenyika.

Zimstats inoti Inflation muZimbabwe, iyo yanga yanetsa iri pazvikamu zvinodarika zana kubva muzana, yadzika kusvika pazvikamu makumi mashanu nezvitanhatu nezviga zviviri kubva muzana kana kuti 56,2%.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvikuru zviri muAmerica, zvakabatana nemusi weSvondo wapera mukunamatira Zimbabwe, Africa pamwe nepasi rose kuti Mwari vapindire munguva ino yedambudziko reCovid-19.

Mutambi wegorofu, Scott Vincent, ari kupinda munhandare mangwana mangwanani aine basa guru rekuedza kusimudza mureza wenyika mudenga kuma Olympic Games

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG