Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 27, 2021


Vanhu makumi manomwe nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemakumim mashanu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vagari vakawanda vemuguta reMasvingo vanoti vari kutadza kubayiwa nhomba yeCoviid-19 sezvo isiri kuwanikwa muguta ravo

Bazi rezvehutano rinoti rave kukurirwa nehuhwandu hwevanhu vari kuda kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19, uye rave kuda kuparadzira basa iri kumasangano nemakirinika akazvimirira.

Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti richakamirira mhinduro kubva kuhurumende pachikumbiro charo chekuti varairidzi vapiwe mari dzekutenga masaisai kuitira kuti vakwanise kudzidzisa vana pamadandemutande panguva ino yeCovid-19.

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kukurudzirwa kuti vatarisise nyaya yemagariro evanhu avhiringidzwa nechirwere cheCovid-19 icho chave nehukasha hwakanyanya chichisiya vakawanda vasina chekubata.

Zimbabwe yakabvumidza kushandiswa kwemushonga unodzivirira madzimai kutapurirwa HIV, unonzi Dapivirine Ring

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG