Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 23, 2021


Vanhu makumi matanhatu nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemazana matatu nemumwe chete, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira, zvipatara zveParirenyatwa nezvipatara zvekanzuru yeHarare zvinoti zvichine mibhedha yeavo vanenge varwarisa nedenda iri.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe National Statistical Agency gore rapfuura inoratidza kuti zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu munyika, vakararama muhurombo hwakanyaya nekuda kwedenda reCovid-19 pamwe negoho rakange risina kumira zvakanaka.

Mamwe makambani anonzi haachabhadhari mari dze Covid-19 allowances kuvashandi vanenge vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi izvo zviri kushorwa nemasangano anomirira vashandi munyika.

Zimbabwe Electoral Commission inovhara mahofisi ayo munyika mose kwemazuva gumi nemana nepamusana pedambudziko reCovid-19.

Judicial Service Commission inoendesa mberi bvunzo dzevatongi vari kuda mabasa evatongi vedare repamusoro, idzo dzaifanirwa kuitwa neChipiri chinouya, ichipa zvikonzero zvekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19.

Mabhengi oramba kutambira mari yekuSouth Africa yakadhayiwa achiti mari iyi inogona kunge yakabiwa mumhirizhonga dzaiitika muSouth Africa.

Makundano e2020 Tokyo Olympic Games avhurwa nhasi masikati Zimbabwe iine vatambi vashanu chete

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 razunza nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG