Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 22, 2021


Vanhu makumi matanhatu nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemazana manomwe nevashanu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muBotswana zvogara zvakabatira hura mumaoko mushure mekunge huwandu hwevanhu vari kubatwa uye kufa nechirwere cheCOVID-19 huri kuramba huchikwira munyika iyi.

Zvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvina zvasvika muZimbabwe nhasi mushure mekudzingwa kuBritain uko zvanga zvichigara kwemakore akawanda. Asi hurumende yabva yazviendesa kunzvimbo isina anoziva.

Apo nyika yatarisana nesarudzo muna 2023, hapana kuwirirana pakati peMDC Alliance neZanu PF panyaya yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vari kubudirira here kuzadzikisa zvavakavimbisa muna 2018.

Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, yeZimbabwe Gender Commission, inoti ine chirongwa chekudzidzisa pamwe nekusimudzira madzimai anoda kupinda muzvigaro zvematongerwo enyika kuitira kuti vakwikwidze zvine mutsindo musarudzo dzichaitwa muna 2023.

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19 pamwe nehurongwa hweZimbabwe Gender Commission hwakanangana nekuona kuti madzimai atora zvigaro zvakawanda musarudzo dzichaitwa muna 2023.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG