Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 21, 2021


Vanhu makumi mashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi masere nevatatu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vatori venhau munyika voita misodzi pamatama zvakare zvichitevera kushaya kwemumwe wavo, Tawanda Gudhlanga, uyo anonzi atorwa nedenda reCovid 19

Vagari vemudhorobha reMasvingo vari kushushikana zvikuru nekushomeka kwenzvimbo dziri kubaiwa vanhu nhomba yeCovid-19, vachiti nzvimbo idzi dzinofanirwa kuwedzerwa.

Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume yaparura chirongwa chekudzidzisa pamwe nekusimudzira madzimai anoda kupinda muzvigaro zvematongerwo enyika ichiti vanhukadzi vari muzvigaro izvi vashoma zvikuru pakatariswa huwandu hwevanhukadzi munyika yose.

Masangano anoongorora nyaya dzesarudzo munyika anoti haasi kufara nekusabuda pachena zviri pamutemo kuri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission pamashandisiro airi kuita mari dzehurumende kubva muna 2018.

Gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kutarisirwa mangwana kuparura hurongwa hwavo hwemafambisirwo emari hwepakati pegore apo zvinhu zviri kunzi hazvina kumira zvakanaka kuvashandi vehurumende zvave kutyirwa kuti zvinogona kupa kuti nyika isagadzikane sezvo mamwe mauto nemapurisa ave kuita zvekuba nepfuti.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG