Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 20, 2021


Vanhu makumi manomwe nevashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nezana negumi nevatatu, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Nyanzvi mune zvehutano dzorumbidza danho rehurumende rekuti makirinika nezvipatara zvisiri zveruzhinji zvitange kubaya vanhu nhomba yeCovid-19 dzichiti zvinobatsira kuwedzera huwandu hwevanhu vanobaiya nhomba idzi.

Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain dzinoratidzira pamuzinda weZimbabwe uri munyika iyi pamwe nekusiya gwaro renyunyuto kumahofisi ebazi remukati meBritain dzichinyunyuta nehurongwa hwehurumende yeBritain hwekuda kudzosa kumusha zvizvarwa zveZimbabwe zana nemakumi mashanu mangwana.

Dare repamusoro muPietermaritzburg, South Africa, ratambira nhasi chikumbiro chemagweta ari kumirira vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, chekuti dare iri rimbomisa kunzwikwa kwenyaya yehuori iri kupokerwa VaZuma kusvika mwedzi unouya

Zimbabwe yoyedza kukwezva vemabhizimisi vekuRussia mushure mekukokwa kuRussia International Trade Fair, asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzichiti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise mitemo yekuti munhu atange bhizimisi munyika sezvo paine zvimhingamupinyi zvakawanda.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki muhupenyu hwavo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG