Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chikunguru 19, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu makumi matatu nevana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Zvinhu zvaita manyama amire nerongo pachipata cheMpilo mushure mekunge vakoti navanachiremba makumi matanhatu nevatatu vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Gurukota rinoona nezvemukati menhyika VaKazembe Kazembe vanzi nedare varipe Amai Lilian Chinyerere avo vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa paAfrica Unity Square nevamwe vanhu vairatidzira murunyararo.

Chikwata cheZimbabwe Cricket chotatarika mumakundano ekuenda kumutambo weInternational Cricket Council World Cup kuIndia.

Muchirongwa cheThe LiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19 uye nyaya yemitambo yemaOlympics iri kuitirwa kuJapan.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wa

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG