Vanhu makumi mashanu nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zvitatu nezana negumi vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vanachiremba nevakoti vanoti zvinhu hazvichina kumira zvakanaka muzvipata nemakirinika sezvo huwandu hwevanhu vari kurwara neCovid-19 huri kuramba huchikwira zvakanyanya zvopa kuti varemerwe nebasa.
SADC inotadza kupinza masoja ayo muMozambique nenguva yakawiriranwa zvichitevera kusagadzikana kuri munyika iyi ukuwo hurumende yeZimbabwe ichinzi haisati sati yasvitsa nyaya iyi mudare reparamende kunyange hazvo paine mashoko ekuti mauto ayo atori muCabo Delgado.
Tobacco Industries Marketing Board inoti mwaka wekutengesa fodya wakabudirira gore rino asi varimi vachiti havasi kufara sezvo vasina kuona kukosha kwefodya yavo sezvo vasina kubatwa zvakanaka nemakambani akavakweretesa zvekurima.
Varimi vechibage vakawanda vochema kuGrain Marketing Board iyo vanoti iri kunonoka kuvabhadhara mari dzavo kunyange hazvo yakambovimbisa kuti ichabhadhara mari dzevarimi mukati memazuva matatu.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vozeya danho rakatorwa nePolitburo yeZanu PF neChitatu, rekutsigira mashoko emutungamiri webato iri uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti masangano akazvimirira arambe achiita mabasa aakanyoresa kuti achaita, kukundikana kwawo omiswa kushanda munyika.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzoyambira kuti mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa inogona kuvhiringidza hupfumi hweZimbabwe, iyo ine zvinhu zvakawanda zvinopfuura nemuSouth Africa zvichibva kudzimwe nyika pamwe nekutenga zvinhu munyika.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kurangarira mabasa akaitwa namuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akashaya nemusi weChipiri.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum