Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 13, 2021


Vanhu makumi mashanu nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi mashanu nemumwe chete vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu voita chipatapata kumhanyira kunzvimbo dzinobayiwa nhomba yeCovid-19 munzvimbo dzakawanda munyika asi vamwe vanhu vanonzi vari kutadza kubayiwa nhomba munzvimbo dzakasiyana siyana.

Hurumende inoti haina chinangwa chekupundira mumashandiro emasangano akazvimirira asi kuti inoda kugadzirisa hukama hwayo nemasangano aya kuitira kuti munyika muve nebudiriro pasina kunetsana.

Vamiriri veZimbabwe Congress of Trade Unions, Zimbabwe Federation of Trade Unions, hurumende, Employers Confederation of Zimbabwe, pamwe neveNational Social Security Authority vaungana nhasi pakambani yeSunny Yi Feng Zimbabwe kuNorton vachinzwa zviri kunetsa pakambani yema China iyi, iyo iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevashandi.

Mhirizhonga yaenderera mberi nhasi muSouth Africa zvikuru mumatunhu eKwaZulu-Natal neGauteng umo matumirwa mauto mapurisa achiti vanhu vafa mumhirizhonga iyi kusvika pari zvino, vava makumi mana nevashanu.

Zimbabwe yabuda mumakundano eCosafa Cup mushure mekurohwa 2-1 neSenegal.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG