Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 12, 2021


Bazi rezvehutano rin vaoti vanhu makumi mashanu nevapfumbamwe (59) vakafa neCovid-19 vamwe mazana mapfumbamwe negumi nevaviri, (912) vachiwanikwa vaine chirwere ichi nezuro.

Vaimbove meya weguta reHarare, VaBen Manyenyeni, mudzimai wavo pamwe nemushandi wavo vanopinda muchipatara zvichitevera kuwanikwa kwavakaitwa vaine Covid-19.

Muchirongwa chartinotarisa nyaya dzezvehutano, tiri kutarisa kupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19 kumaruwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voradzika magamba maviri Lt General Edzai Chimonyo naVaMikael Chakabva kumarinda eHeroes Acre vachiti vavengi vachit vavengi vachiri kuda kurwisa Zimbabwe.

Rimwe gamba renyika VaAbraham Dumezweni Nkiwane vakaramba kuvigwa kuHeroes Acre voradzikwa kupurazi ravo kuUmguza, Matabeleland North.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo kuSouth Africa vanhu vachiita mhirizhonga kubva zvasungwa vaive mutungamiri wenyika iyi VaJacob Zuma

Vatsigiri vemaWarriors vochema chema nekukundwa kwechikwata chavo neNamibia nezuro mumakwikwi eCOSAFA Cup.


Muchirongwa cheThe LiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekupararira zvinotyisa kwoita chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG