Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 09, 2021


Vanhu makumi mashanu nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zviuru zviri nezana nemakumi mashanu nemakumi nevanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zvichitevera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere cheCovid-19, vanhu vakawanda voita chamurambamhuru vachienda kunzvimbo dziri kubayiwa nhomba.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, vanoudza zviri pamutemo Zimbabwe Anti-Corruption Commission, kuti inofanirwa kuongorora zvakaburitswa negwaro reThe Sentry, iro rakaburitsa huori hunonzi huri kuitwa nechipangamazano chemutungamiri wenyika, uye ari wehukama naVaEmmerson Mnangagwa, VaKudakwashe Tagwirei.

Nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti kukwidzwa kwemutengo wekushandisa nharembozha pamwe nemasaisai nekambani yeEconet nezvikamu makumi maviri kubva muzana kutanga nezuro kuchakanganisa mashandiro emabhizimusi pamwe nedzidzo yevana vechikoro vari kudzidza vachishandisa dandemutande, zvikuru munguva ino yeCovid-19.

Studio7 inoenda kuNorton uko inonzwa zvichemo zvevashandi vanoti vari kubatwa senhapwa nekambani yezvizvarwa zvekuChina.

South Africa inodzosera kumusha nechisimba zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri zvanga zvichigara munyika iyi zvisiri pamutemo.

Chikwata chenhabvu munyika, chemaWarriors, chaita mangange 2-2 neMalawi mumutambo weCosafa watambwa muSouth Africa nhasi.

Muchirongwa cheThe LiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya dzakawanda pamusoro pezviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG