Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 07, 2021


Vanhu makumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Veruzhinji vokurudzira hurumende kuti nhomba yeCovid-19 iwanikwe muzvipatara zvese munyika kuitira kuti vanhu vabayiwe pavanenge vaenda kunobayiwa nhomba iyi. Izvi zvinotevera kutadza kwaita vanhu kubayiwa nhomba paParirenyatwa, uko kunonzi kuri kubayiwa vanhu mazana mashanu chete pazuva.

Vanhu vakawanda muguta reBulawayo vaswera vachiita zvavanogara vachiita mazuva ose zvisinei nekuti hurumende yakati yave kudzora matanho akasimba ekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19

Vamwe vashandi vari kuchemachema kuti vamwe varidzi vemakambani ezvizvarwa zvekuChina vari kutyora kodzero dzavo asi hurumende haina zvairi kuita kuvabatsira.

Asi hurumende inoti kana ikapirwa nyaya idzi inokwanisa kuferefeta yotora matanho.

Chizvarwa chekuZimbabwe, VaTafadzwa Chikoto, avo vakasarudzwa kuve kanzura weThrapston mudhorobha reCorby kuBritain muna Chivabvu wegore rino, vanosarudzwa zvakare kuve mutevedzeri wameya wekanzuru yedhorobha reCorby.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG