Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 06, 2021


Vanhu makumi matatu nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi mana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vakachengetedzwa munzvimbo dzinogara vanhu vari kurwara nechirwere cheCovid-19, kana kuti isolation centers, votarisana nedambudziko rekushaya mweya unovabatsira kufema.

Kambani yemighodhi yehurumende, yeKurima Mining House, inoramba kuti inodyidzana namuzvinabhizinesi, VaKuda Tagwirei, uye inoramba zviri mugwaro reThe Sentry, iro rinoti kambani yaVaTagwirei ine zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana zvehupfumi muKurima Mining House.

Vanorarama nekutengesa muguta reBulawayo votambira nemufaro chirongwa chehurumende chekubaya nhomba yekudzivirira Covid-19 kuvanhu vanorarama nekutengesa icho chatanga nhasi.

Kanzuru yeguta reGweru ichishanda nerimwe sangano rinomirira vagari yaparura hurongwa hwekuti vagari vakwanise kuita zvakasiyana siyana kukanzuru yavo vachishandisa nharembozha dzavo seindaneti.

Kukwira kwehupfumi kwangwe kwakatarisirwa gore rino kovhiringwa nedenda reCovid-19

Vanhu makumi maviri vanofa munjodzi yemotokari yakaitika mudunhu reMasvingo

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG