Vanhu makumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi matatu nemumwe chete, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vashandi vezvehutano vanoti vazhinji vavo havasati vawana mari dzavanofanirwa kupihwa kana vabatwa nechirwere cheCovid. Vanotiwo havasi kufara nekuvatyityidzirwa kwevashandi vasina kubaiwa nhomba vachinzi vachanyimwa mari dzeCovid Allowance.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vabatana neveruzhinji mukurangarira mushakabvu, VaJoshua Mqabuko Nyongolo Nkomo, gamba rehondo yerusununguko raida kuti vanhu vose vemuZimbabwe neAfrica vagare murunyararo.
Sangano reInternational Trade Union Confederation, ITUC, rinoisa Zimbabwe pakati penyika gumi pasi rose dziri kunyanya kutyora kodzero dzevashandi.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vozeya kupindira kwebato reZanu PF munyaya yekuputswa kwedzimba dzinonzi nemakanzuru pamwe nemapazi ekutongwa kwematunhu nekuvakwa kwedzimba, dzakavakwa zvisiri pamutemo.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munguva ino yeCovid-19 pamwe nekuputswa kuri kuitwa dzimba munguva ino yechando.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum