Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chitatu 30, 2021


Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rinoti hurumende inofanira kuchengetedza vashandi kuti vasarasikirwe nemihoro nemabasa nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Vanhu gumi nevaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu chiuru nemazana maviri nemakumi mana nevapfumbamwe vachinzi vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Zanu PF yaumba komiti ichatarisa nyaya dzekugariswa kwevanhu mumatunhu ose munyika zvichitevera kupwanyirwa dzimba kuri kuitwa vanhu vanonzi vakavaka zvisiri pamutemo.

Zupco inowedzera mari dzinobhadharwa neveruzhinji nezvikamu zana kubva muzana

Kambani yenhengo dzeZanu PF, yeChannel Dzimbahwe, inopihwa rezenisi remakore gumi rekuva neterevhizheni inotepfenyura munyika.

South Africa inowedzera nguva yemavhiza evanhu vakapinda munyika iyi vachinoshanya, kudzidza, kurapwa, kushanda pakati paZvita 2019 kusvika Kurume 14, 2021 kuitira kuti vange vachigara munyika iyi zviri pamutemo kusvika kupera kwaGunyanya 2021.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG