Mapurisa akapakatira zvombo anokanganisa mafambisirwo ebasa parufu rwababa veimwe nhengo yeMDC Alliance, Muzvare Netsai Marova, maawa mashomanana abva kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso pane imwe mhosva yaari kupomerwa.
Vanhu gumi nevatatu vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu mazana masere nemakumi mana nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Vadzidzi vakawanda vemuzvikoro zvepamusoro soro votyira kupararira kwechirwere cheCovid -19 apo zvidzidzo zviri kuramba zvichienderera mberi zvisinei nekubatwa kwevamwe vadzidzi nechirwere ichi.
Vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanotongerwa kupika mujeri kwemwedzi gumi nemishanu zvichitevera kuwanikwa vaine mhosva yekuzvidza komiti iri kuferefeta huori hunonzi hwakaitika apo vaive mutungamiri wenyika.
Hurumende inoenderera mberi ichiputsa dzimba dzinonzi dzakavakwa zvisiri pamutemo mumusha weGlen View8 muHarare.
Pane kugunun’una kuti pave kuitwa zvematomangerwa enyika pachirongwa chekunyoresa vakarwa hondo yerusunguko, vana chimbwido nanamujibha vamwe vachiti vari kutungamira chirongwa ichi mune mamwe matunhu vave kuti chirongwa ichi ndechenhengo dzeZanu PF chete.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya kuoma kuri kuita hupenyu zvichitevera kukwira kwemari dzinodiwa kuti mhuri ikwanise kurarama pamwedzi wega wega.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Facebook Forum