Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 25, 2021


Mapurisa anoti ari kuenderera mberi nekusunga vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vasiri kutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munzvimbo dzakavharwa mudunhu re Mashonaland West.

Dunhu reHurungwe kuMashonaland West rinoti harichisina nhomba yeCovid-19.

Zvipatara munyika, kusanganisira Parirenyatwa Group of Hospitals, zvatanga kutora matanho ekugadziririra kutambira varwere veCovid-19 vakawanda sezvo denda iri raakupararira zvakanyanya munyika.

Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rokurudzira hurumende kuti isimbise mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kuburikidza nekudzika mutemo unorambidza vanhu kufambafamba kwemazuva makumi matatu senzira yekuderedza kupararira kweCovid-19 munyika.

Vagari vokurudzira hurumende kuti itsvagire vanhu vari kubatwa nedenda reCovid-19 kuMasvingo nzvimbo dziri kure nnzvimbo dzinogara veruzhinji
senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Vabereki vakawanda vanoti vakakukundikana kuunganidza mari dzose dzaidiwa kuitira kuti vana vavo vakwanise kunyora bvunzo mukupera kwegore rino.

Vaimbove vashandi vekanzuru yeMutare mubazi rezvekurwisa moto vanodzingwa mudzimba dzekanzuru dzavanga vachigara zvichitevera mutongo wedare wakaramba kutambira chikumbiro chavo chekuti varambe vachishandisa dzimba idzi.

Studio7 inopindura kumashoko evakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, avo vakashoropodza nezuro nhepfenyuro ino vachiti ine chinangwa chekuvhiringidza zvinhu muZimbabwe.

Zimbabwe inochema pamwe nekurangarira mabasa akaitwa nemutambi akaita mukurumbira munyika munyaya dzenhabvu, Misheck Chidzambwa, uyo akashaya nezuro manheru.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa dambudziko reCovid-19 pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG