Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 24, 2021


Matare amejasitireti muChinhoyi, Karoi, Kariba, Mt Darwin, Bindura neMutare anovharwa zvichitevera kubatwa nechirwere cheCovid-19 kwevashandi vemumatare aya.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, oisa chikumbiro kudare ramajisitireti chekuti mhosva yaari kupomerwa iraswe.

Hurumende inoenderera mberi nekuputsa zvivakwa zviri kuMelfort mudunhu reMashonaland East izvo zviri kusiya mazana nemazana evanhu vasina pekurara nhasi manheru.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya gakava ramuka pamberi pesarudzo dza2023 pakati pemapato eMDC Alliance neMDC-T pamusoro pezita rekuti MDC Alliance, iro rinonzi nebato reMDC-T rinogona kushandisa musarudzo dziri kuuya

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG