Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 23, 2021


Matare amejasitireti muChinhoyi anovharwa zvichitevera kubatwa nechirwere cheCovid-19 kwevashandi vana vanosanganisira mutongi wedare redzimhosva mumwe chete.

Vagari vekuChiredzi vari kutambira nenzira dzakasiyana siyana kumbovharwa kwakaitwa dunhu ravo senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 iro riri kuramba richikiwira munzvimbo iyi pamwe nedzimwe nzvimbo munyika yose.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuMaputo, Mozambique kumusangano weSADC wechimbi chimbi wekuzeya mhirizhonga iri kuitika mudunhu reCabo Delgado kuMozambique kwakare.

MDC Alliance inoti icharamba ichirwira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo uye inoda kuti Zimbabwe Electoral Commission ive nenzvimbo dzakawanda dzekunyoresa kuvhota.

Studio7 inotarisa zvakadzama danho rakatorwa nebato rePatriotic Zimbabweans rekunyora tsamba kuparamende richiikurudzira kuti idzike mutemo unobvumidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuvhota zviri kunyika kwazvigere musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna 2023 nedzinozotevera.

Chirongwa chebazi redzidzo yepasi cheContinuous Assessment Learning Activity chokonzera mutauro vamwe vachiti chakaitwa nechimbichimbi vadzidzi pamwe nevarairidzi vavo vasati vachinzwisisa zvizere.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG