Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikumi 21, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vamwe vakabayiwa nhomba vave kubatwa nechirwere ichi kunyangwe vari kunzi havasi kurwarisa havo.

Fata mukuru weRoman Catholic Church, Baba Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina, varadzikwa nhasi panzvimbo inovigwa magamba yeNationalHeroes Acre, vakava mufundisi wekutanga kuradzikwa panzvimbo iyi mushure mekupihwa ruremekedzo rwegamba renyika.

Sangano rinomirira vatungamiri vezvikoro, reZimbabwe National Union of Schools Heads, rokurudzira hurumende kuti imire kuvhura zvikoro svondo rinouya nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19. Asi bazi redzidzo rinoti richatanga ranzwa zvichabuda mumusangano wemakurukota svondo rino.

Varume vokurudzirwa kupota vachinovhenekwa chirwere chegomarara resikarudzi kana kuti prostate cancer.

Sangano reSports and Recreation Commission rinoti richiri kuzeya chikumbiro cheZIFA chekuti mitambo yenhabvu iyo yakambomiswa ienderere mberi zvinozopawo kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kutanga gadziriro yekuenda kumakundano eCOSAFA Cup kuSouth Africa mwedzi unouya.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm manheru anhasi, tiri kutarisa nezvekupararira kwechirwere cheCovid-19

Tiri kutarisawo zvirongwa zvinotungamirwa nevechidiki zvakanangana nekukurudzira vanhu kuti vanyorese kundovhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio 7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio 7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG