Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 18, 2021


Dunhu reMakonde kuMashonaland West rinovharwa nekuda kwehuwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa nechirwere cheCovid-19.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vanomwe vakafa nezuro wakare neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 371, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Ongororo yakaitwa neAfrobarometer inoratidza kuti Zanu PF inokunda zvishoma musarudzo yemutungamiri wenyika ikaitwa mangwana ichiteverwa neMDC Alliance.

Zimbabwe inobatana neZambia mukuchema mutungamiri wekutanga wenyika iyi, VaKeneth Kaunda, avo vakashaya nezuro.

America inocherechedza zuva rekupedzwa kwehuranda, raChikumi 19, zvichitevera kusainwa kuve mutemo kwezororo reJuneteenth National Independence Day nemutungamiri wenyika iyi, VaJoe Biden nezuro. Zororo reJuneteenth rinocherechedza kupedzwa kwehuranda kwakaitika musi wa Chikumi 19, 1865 mudunhu reTexas.

Mutambi wetsiva ane mukurumbira, Charles Manyuchi, anogona kurasikirwa nebhande rake reWorld Boxing Federation kana akatadza kuridzivirira mwedzi unouya sezvakakatarwa

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mabasa akaitwa na Father Emmanuel Ribeiro, pamwe nemutungamiri weZambia wekutanga, VaKenneth Kaunda, avo vakashaya nezuro. Tichatarisawo dambudziko re Covid-19 rakatarisana nenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG