Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 17, 2021


Fata wekereke yeRoman Catholic Church, Father Emmanuel Francis Ribeiro, vashaya nhasi mambakwedza pachipatara cheSt Annes muHarare.

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana maviri nemakumi matatu nevasere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mutungamiri weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuveya, vanomiswa pamberi pedare ramejasitiriti kuChitungwiza vachipomerwa mhosva yekukurudzira veruzhinji kuita zvemhirizhonga.

Sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukwira gore rino nezvikamu zvitanhatu kubva muzana.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vozeya gwaro rakaburitswa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee, iro rinoti hurumende yakawedzera rutsigiro rwainopa kumhuri dzinoshaya nezvikamu makumi mashanu nezvina kubva muzana.

Vanhu vakawanda vafarira zvikuru mubairo wakapihwa munyori ane mukurumbira munyika, Tsitsi Dangarembgwa.

Muchirongwa cheWomen’s RpundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuiitwa nevanhukadzi munguva ino yechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG