Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 16, 2021


Sangano revadzidzisi vemuzvikoro zvepamusoro, reCollege Lecturers Association, pamwe nesangano reCouncil for Students Teachers, asvitsa nhasi chikumbiro kubazi redzidzo yepamusoro chekuti zvidzidzo muzvikoro izvi zviitwe pamadandemutande senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro izvi.

Chikumbiro ichi chaitwa zuva rimwe chete hurumende yazivisa kuti vanhu vaviri vakafa neCovid-19 nezuro uye vamwe mazana maviri nemakumi mana nemumwe chete vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Mutori wenhau anoshandira New York Times, Jeffry Moyo, aburitswa mujeri nhasi mushure mekupihwa nedare repamusoro nemusi weMuvhuro mukana wekubhadhara mari yechibatisokuitira kuti atongwe achibva kumba kwake.

Zimbabwe inobatana nenyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reThe Day of the African Child ichikurudzirwa kuremekedza zvibvumirano zveAgenda 2040 zvinosanganisira hupenyu hwakanaka hwevana pamwe nehutano hwavo.

Vagari vekwaMutare vonetsana nekanzuru yavo pamusoro pemashandisirwo ezvivakwa zvekanzuru iyi zvinobatsira veruzhinji.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri mhiri kwemakungwa, VaNavile Mkhululi Mehluli Mchina, voshandisa njere nemichina yechizvinozvino kushandura michero nemiriwo zvaisimboraswa kuve chikafu kuburikidza nekambani yavo ye Invisible Foods.

Komiti yeparamende yemuBotswana inoona nezvekushandiswa kwemari nehurumende iri kukurudzira hurumende yenyika iyi kuti itange hurongwa hwekudzosera kunyika dzavo vasungwa vasiri zvizvarwa zvenyika iyi vari mumajeri muBotswana.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika kuSouth Africa, zuva reThe Day of the African Child pamwe nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzechirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG