Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vatatu vakashaya nechirwere cheCovid-19, vaviri vakashaikira kuManicaland mumwe chete kuMashonaland Central.
Vemabhizimisi, vashandi nevanhuwo zvavo votaura maonero avo panyaya yekusimbaradzwa kwemitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Reserve Bank of Zimbabwe yoburitsa mazita emakambani makumi maviri anonzi akafambisa mari yekunze yaakatenga kubhanga iri nemutengo uri pasi zvisizvo.
Muchirongwa cheveChidiki cheThe Connection na8pm manheru anhasi, tiri kukurukura nevechidiki nezve mitemo yakaiswa nehurumende yakanangana nekusimbaradza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCOVID-19.
Tiri kutarisawo zvirongwa zvinotungamirwa nevechidiki zvakanangana nekukurudzira vanhu kuti vanyorese kundovhota. Mhuri yeZimbabwe, musakanganwe kuteerera chirongwa ichi na 8pm manheru ano.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio 7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio 7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum