Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi,Muvhuro, Chikumi 14, 2021


Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCovid-19 kunyangwe hazvo vanhu vanodarika zana nevanomwe vakabatwa nechirwere ichi.

Mitemo yehurumende mitsva yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 yotanga kushanda nhasi ukuwo chikoro cheMorgenster kuMasvingo chichinzi chisabvumidzwe vashanyi sezvo vamwe vari kudzidzira hurairidzi makumi mana vabatwa nechirwere ichi.

Sangano rinorwira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti rinopokana nenguva yakaziviswa nehurumende kuti ichaitwa chirongwa chekuverenga vanhu pamwe nekuganhurwa kwematunhu gore rinouya richiti haipi ZEC nguva yakakwana yekugadzirira sarudzo dza2023.

Sangano rinoona nezvemamiriro ekunze reSouth Africa Council for

Geoscience rinoti pane kudengenyeka kwenyika kwaitika kunyanya muMidlands asi kukanzwikwa kune mamwe matunhu masikati anhasi

Bazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana rinoti riri kushushikana nehuhwandu hwevanasikana vari kubata pamuviri vasati vabva zera, zvikuru mudunhu reMashonaland Central.

Vanoita zvemitambo votaura nezvekumbomiswa kwemitambo yose munyika mushure mekutanga kupararira zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm tiri kutarisa mitemo yaiswa kusimbaradza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika kutanga nhasi uye kumbovharwa kwemamawe maguta.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio 7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio 7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG