Magweta emukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika odzokera kudare zvekare achipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro nezuro wekuti mukuru wevatongi, Chief Justice Malaba, havana kuzvidza dare apo vakadzokera kudare mushure memumwe mutongo wedare iri wakati vaende pamudyandigere
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonozra, vanonzi neHStvNews vasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizeya nyaya dzakasiyanasiyana.
Vanhu vakawanda voshushukina nekukwira kuri kuita huwandu hwevanu vari kubatwa nechirwere che Covid-19 munyika.
Hurumende inoti iri kuenderera mberi nekuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo zvisineyi nekuti pane mutongo wanezuro wakamisa hurumende kuputsa zvivakwa izvi
Gadziriro yeZimbabwe yemakundano e2023 Rugby World Cup yavhiringwa nemitemo inobata chirwere cheCovid 19 zvichitevera kubuda kweNamibia mumitambo yekuedzana masimba.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika panguva iyo pasi rose rakatarisana nechirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave
Facebook Forum