Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 10, 2021


Mutongi mukuru wematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vanochenurwa nedare repamusoro richiti havana kuzvidza matare edzimhosva pavakadzokera kubasa mushure mekunge vaendeswa kumudyandigere nedare redzimhosva.

Dare iri rati kusvitswa kwakaitwa nyaya iyi kudare reSupreme Court kunoreva kuti VaMalaba vane kodzero dzekuramba vachiita basa ravo.

Mutori wenhau, Jeffry Moyo, acharamba ari mutirongo kusvika musi wa Chikumi 24 panguva iyo magweta ake ari kukumbira dare repamusoro kuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vanoparura gwara rehurumende rinobata vakaremara pamwe nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Asi MDC Alliance inoti hurongwa hwakaparurwa naVaMnangagwa hauna kunyatsorongwa zvakanaka.

Vanhu vashanu vakafa neCovid-19 nezuro uye vamwe zana negumi nemumwe chete vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

VeMDC neZanu-PF vokakavadzana panyaya yekuputswa kwemisika nedzimba dzevanhu muguta sezvakakurudzirwa nedare remakurukota richiti vakawanda vave kuita madiro aJojina vachityora mutemo.

Zimbabwe Electoral Commission noti vanhu havasi kubuda nehuwandu hwavo kunonyoresa kuvhota, izvo zvinonzi zvinogona kukonzera kushandurwa kwematunhu muhurongwa hwekupatsanura matunhu, kana kuti delimitation.

Muchirongwa cheWomen’s RondTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG