Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikumi 08, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu vashanu vakafa neCovid-19 neMvuhuro uye vamwe makumi mana nevapfumbamwe (49) vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.

Makanzuru eHarare neChitungwiza oenderera mberi nekupwanya zvivakwa zviri kushanda zviri kunze kwemutemo panguva iyo dare repamusoro reHigh Court riri kunzwa chikumbiro chechimbichimbi chekuti zviri kuitwa izvi zvimiswe

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagetsi yatanga munguva ino yechando inogona kukanganisa zvakanyanya hurongwa hwekumutsiridza hupfumi hwagara hwange huchitatarika nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vamwe vagari vemuChinhoyi vanoti makomiti eparamende ari kufamba
achinzwa pfungwa dzevanhu pamabhiri ari kuda kuumbwa ari kupedza mari nenguva sezvo makomiti aya asingaise pfungwa dzeruzhinji mumitemo inozozoumbwa.

Masangano anorwira kodzero dzeveruzhinji anoti haasi kufara nezviri kuitwa kuitwa nemapato ezvematongerwo enyika ayo anozvipa masimba ekuranga nhengo dzawo pasina zvichemo zvabva kuvanhu vakasarudza nhengo idzi kuti dzive nezvigaro

Muchirongwa cheThe Connetion na8pm tiri kutarisa zviri kuitikwa nevechidiki panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG