Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chkumi 07, 2021.


Munhu mumwe chete ofa nechirwere cheCovid-19 kuMashonaland West nezuro.

Nhengo yeMDC Alliance VaTungamirrai Madzokere vachangobva mukusungunurwa kubva kujeri reChikurubi pamwe naVaLast Maingehama sezvo vakaonekwa vasina mhosva panyaya yekunzi vakaponda mupurisa vanoti vakawana mudzimai wavo asisipo pamba zvese nevana sezvo ange aneta nekuvamirira mushure mukumbotongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri.

Vanhu vakawanda munyika vochema Prophet TB Joshua vakashaya kuNigeria nemusi weMugovera.

Muchirongwa chatinotarisa nyaya dzezvehutano, nhasi tiri kutaura nezvechirwere cheTyphoid.

PSL yazivisa nhasi mumashoko kuvatori venhau kuti svondo rino kune mitambo mitatu chete yeChibuku Super Cup muGroup One rine Dynamos, Caps United, Harare City, Yadah, Herentals neZPC Kariba.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekupararira kwechirwere cheCovid-19 nekubayiwa kwenhomba yacho

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG