Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 04, 2021


Dare repamusorosoro reSupreme Court rinoburitsa mujeri nhengo mbiri dzeMDC, VaLast Maengehama naVaTungamirai Madzokere, avo vanga vari mujeri kwemakore gumi mushure mekupomerwa mhosva yekuponda mumwe mupurisa kuGlen View , richiti hapana humbowo hunoratidza kuti vakapara mhosva iyi.

Kambani inoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu vari pamudyandigere yeNational Social Security Authority yavhura nhasi muzinda wayo wekuchengeta pamwe nekurapa vashandi vayo pamwe nevari pamudyandigere vanenge vabatwa neCovid-19.

Bazi rezvehutano rinozivisa kuti rawanira vanhu vari mudunhu reHarare vanoda kubaiwa nhomba yepiri yekudzivirira Covid-19 yerudzi rweSinovac, uye vanoda kubaiwa vanokwanisa kuenda kuzvipatara zveParirenyatwa, Sally Mugabe pamwe neChitungwiza.

Vanhu vakawanda muChinhoyi vave kurapwa pakiriniki yekereke
yePresbyterian sezvo makiriniki nezvipatara zvekanzuru nehurumende
zvisina mishonga.

Mutambo wanga wakamirirwa nevazhinji weHarare Derby pakati peCaps United neDynamos uri kutambwa nemusi weSvondo muNational Sports Stadium.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika kumitambo yeBulawayo Arts Festival iyo iri kupera mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG