Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 03, 2021


Vatongi vatanhatu vatsva vedare reSupreme Court vatoreswa mhiko nhasi kuitira kuti vatange kunzwa nhasi nyaya yaVaLuke Malaba yekuzvidza dare mushure mekunge vamanikidzwa nedare repamusoro kuenda kumudyandigere izvo zviri kupikiswa nehurumende.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura zviri pamutemo chirongwa cheBulawayo Arts Festival.

Vezvematongerwo enyika votaura pamusoro pekurudziro iri kuitwa nevemapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira pamwe nevanhuwo zvavo yekuti vechidiki vanyorese kuvhota pamberi pesarudzo dza2023, uye kuti zvakakoshereyi kuti vechidiki ava vanyorese kuvhota.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vakambove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti mutemo mutsva wehurumende wekutara mitengo yezvinhu unoratidza kuti yakundikana kugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vanhu makumi matatu nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabata nechirwere ichi munyika pazviuru makumi matatu nezvipfumbamwe nemakumi matatu nemumwe chete, 39 031.

Vakaremara vanoti havasi kufara nekusavepo kwemitemo inochengeta kodzero dzavo pamabasa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munguva ino yehirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG