Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 02, 2021


Kanzuru yeChitungwiza inoti ichaputsa mabhizimusi ari kushanda zvisiri pamutemo uye yapa varidzi mabhizimusi aya maawa makumi manomwe nemaviri ekubvisa zvinhu zviri muzvivakwa izvi kukundikana kwavo kuita izvi kanzuru ichapwanya zvivakwa zvose zvisiri pamutemo.

Vanhu makumi matatu nevanomwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu vatatu vakafa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vakambove gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa, vanoti mutemo mutsva wehurumende wekutara mitengo yezvinhu unoratidza kuti yakundikana kugadzirisa hupfumi hwenyika uye vari kuenda kumatare kunopikisa mutemo uyu.

Studio7 inotarisa zvakadzama zvinoreva kusawirirana kuri mudare reparamende yemuAfrica, rePan African Parliament, uko kwakatadzisa kuitwa kwesarudzo nezuro yekutsvaga mutungamiri weparamende iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG